25
Vaimbi
Dhavhidhi, pamwe chete navatungamiri vehondo: vakatsaura vamwe vavanakomana vaAsafi, Hemani naJedhutuni kuti vaite ushumiri hwokuprofita kuchiridzwa mbira, mitengeranwa namakandira. Aya ndiwo mazita avarume vaiita basa iri.
 
Kubva kuvanakomana vaAsafi:
Zakuri, Josefa, Netania naAsarera. Vanakomana vaAsafi vaitungamirirwa naAsafi uyo aiprofita achitungamirirwa namambo.
Kana ari Jedhutuni, kuvanakomana vake:
Gedharia, Zeri, Jeshaya, Shimei, Hashabhia naMatitia, vatanhatu pamwe chete, vachitungamirirwa nababa vavo Jedhutuni uyo aiprofita achishandisa mbira mukuvonga nokurumbidza Jehovha.
Kana ari Hemani, kubva kuvanakomana vake:
Bhukia, Matania, Uzieri, Shubhaeri naJerimoti; Hanania, Hanani, Eriata, Gidhariti naRomamiti-Ezeri; Joshibhekasha, Maroti, Hotiri naMahazioti. Vose ava vaiva vanakomana vaHemani muoni wamambo. Akavapiwa kubudikidza nezvivimbiso zvaMwari kuti amukudze. Mwari akapa Hemani vanakomana gumi navana, navanasikana vatatu.
 
Varume vose ava vaitungamirirwa namadzibaba avo mukuimba mutemberi yaJehovha, nomukuridza makandira nemitengeranwa nembira, kuti vaite ushumiri paimba yaMwari. Asafi, Jedhutuni naHemani vaiva pasi pamambo. Pamwe chete nehama dzavo, vose vakadzidzira uye vakava nyanzvi mukuimbira Jehovha, vaisvika mazana maviri amakumi masere navasere. Vaduku navakuru pamwe chete, mudzidzisi pamwe chete nomudzidzi, vakakanda mijenya pakupiwa mabasa avo.
 
Mujenya wokutanga waiva waAsafi, wakawira pana Josefa,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
wechipiri kuna Gedharia,
iye nehama dzake navanakomana vake—gumi navaviri;
10 wechitatu kuna Zakuri,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
11 wechina kuna Iziri,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
12 wechishanu kuna Netania,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
13 wechitanhatu kuna Bhukia,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
14 wechinomwe kuna Jesarera,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
15 worusere kuna Jeshaya,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
16 wepfumbamwe kuna Matania,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
17 wegumi kuna Shimei,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
18 wegumi nomumwe kuna Azareri,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
19 wegumi nemiviri kuna Hashabhia, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
20 wegumi nemitatu kuna Shubhaeri, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
21 wegumi nemina kuna Matitia, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
22 wegumi nemishanu kuna Jerimoti, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
23 wegumi nemitanhatu kuna Hanania, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
24 wegumi neminomwe kuna Joshibhekasha,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
25 wegumi nemisere kuna Hanani, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
26 wegumi nemipfumbamwe kuna Maroti,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
27 wamakumi maviri kuna Eriata,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
28 wamakumi maviri nomumwe kuna Hotiri,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
29 wamakumi maviri nemiviri kuna Gidhariti,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
30 wamakumi maviri nemitatu kuna Mahazioti,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
31 wamakumi maviri nemina kuna Romamiti-Ezeri,
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri.