18
Munhu asina ukama navamwe anongozvitsvakira zvake;
anozvidza kutonga kwakanaka kwose.
Benzi harifariri kunzwisisa,
asi rinofarira kungotaura zvarinofunga chete.
 
Panosvika chakaipa, kuzvidzwa kunouyawo,
uye kana nyadzi dzichisvika kusakudzwa kwasvikawo.
 
Mashoko omuromo womunhu imvura yakadzika,
asi tsime rouchenjeri chitubu chinoyerera.
 
Hazvina kunaka kutsaura akaipa
kana kusaruramisira asina mhosva.
 
Miromo yebenzi inoriunzira kukakavara,
uye muromo wake unomukokera kurohwa.
 
Muromo webenzi ndiwo kuparadzwa kwaro,
uye miromo yaro ndiwo musungo kumweya waro.
 
Mashoko amakuhwa akaita semisuva yakanakisisa;
anoenda pakadzikadzika mukati momunhu.
 
Uyo ano usimbe pakubata kwake
ihama youyo anoparadza.
 
10 Zita raJehovha inhare yakasimba;
vakarurama vanomhanyira kwariri vagochengetedzwa.
 
11 Pfuma yavapfumi ndiro guta ravo rina masvingo;
vanoriona sorusvingo rurefu pakufunga kwavo.
 
12 Kuparadzwa kusati kwasvika, mwoyo womunhu unozvikudza,
asi kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.
 
13 Uyo anopindura asati anzwa,
ndihwo upenzi hwake nokunyadziswa kwake.
 
14 Mweya womunhu unomusimbisa panguva yokurwara,
asi mweya wakapwanyika ndiani angautakura?
 
15 Mwoyo woune njere unowana ruzivo,
nzeve dzowakachenjera dzinorutsvaka.
 
16 Chipo chinozarurira nzira kune achipa,
uye chinomusvitsa pamberi pavakuru.
 
17 Anotanga kusvitsa nyaya yake anoita seakanaka,
kusvikira mumwe auya mberi kuzomubvunza.
 
18 Kukanda mijenya kunopedza gakava,
uye kunotonga pakati pavaviri vanopikisana zvikuru.
 
19 Hama yatadzirwa yakavangarara kupfuura guta rakakomberedzwa namasvingo,
uye kukakavara kwakafanana namazariro amasuo omuzinda wamambo.
 
20 Kubva pazvibereko zvomuromo wake dumbu romunhu rinogutiswa;
nezvinobva pamiromo yake achagutiswa.
 
21 Rurimi rune simba roupenyu norufu,
uye vaya vanoruda vachadya chibereko charwo.
 
22 Uyo anowana mudzimai anowana chinhu chakanaka,
uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha.
 
23 Murombo anokumbira kuitirwa tsitsi,
asi mupfumi anopindura nehasha.
 
24 Munhu ane shamwari dzakawanda angangoparadzwa,
asi kune shamwari inonamatira kupfuura hama.