13
Kushambidzwa paZvivi
1 “Pazuva iro imba yaDhavhidhi navagari vomuJerusarema, vachadziurirwa chitubu kuti vanatswe kubva pachivi nokusachena.
2 “Pazuva iro, ndichabvisa mazita ezvifananidzo panyika, uye haangazorangarirwizve,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose! “Ndichabvisa zvose vaprofita nemweya wokusachena panyika. 3 Uye kana pana ani zvake acharamba achiprofita, baba vake namai vake vakamubereka, vachati kwaari, ‘Unofanira kufa, nokuti wakareva nhema muzita raJehovha.’ Paachaprofita, vabereki vake vachamubaya.
4 “Pazuva iro muprofita mumwe nomumwe achanyara nokuda kwechiratidzo chechiprofita chake. Haangazopfeki nguo yemvere yomuprofita kuti anyengere. 5 Achati, ‘Handisi muprofita. Ndiri murimi; ivhu ndiwo upenyu hwangu kubva pauduku hwangu.’ 6 Kana mumwe munhu akamubvunza achiti, ‘Maronda aya ari pamuviri wako ndeeiko?’ achapindura achiti, ‘Maronda andakakuvadzwa paimba yeshamwari dzangu.’
Mufudzi arohwa, makwai akapararira
7 “Muka, iwe munondo, urwise mufudzi,
urwise munhu ari pedyo neni!”
ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
“Rova mufudzi, makwai agopararira,
uye ndichasimudza ruoko rwangu
kuti rurwise madiki acho.
8 Munyika yose,” ndizvo zvinotaura Jehovha,
“zvikamu zviviri muzvitatu zvichaurayiwa zvigoparara;
asi chikamu chimwe chete muzvitatu ndicho chichasaramo.
9 Chikamu chimwe chete ichochi muzvitatu ndichachiisa mumoto;
ndichavanatsa sesirivha
uye ndichavaedza segoridhe.
Vachadana kuzita rangu
uye ndichavapindura;
ndichati, ‘Ndivo vanhu vangu.’
Uye ivo vachati, ‘Jehovha ndiye Mwari wedu.’ ”