17
Zvifananidzo zvaMika
1 Zvino mumwe murume ainzi Mika aibva kunyika yezvikomo yaEfuremu 2 akati kuna mai vake, “Mashekeri aya esirivha chiuru nezana rimwe chete* 17:2 makirogiramu angaita 13 akatorwa kubva kwamuri andakanzwa muchituka munhu wacho akatora, sirivha yacho ndini ndinayo; ndini ndakaitora.”
Ipapo mai vake vakati, “Jehovha ngaakuropafadze, mwanakomana wangu!”
3 Akati adzorera mashekeri esirivha chiuru nezana rimwe chete, kuna mai vake, ivo vakati, “Ndinotsaurira Jehovha sirivha yangu nomwoyo wose kuti mwanakomana wangu aite chifananidzo chakavezwa nomufananidzo wakaumbwa wesimbi. Ndichazoidzosera kwauri.”
4 Saka akadzosera sirivha kuna mai vake, uye mai vake vakatora mazana maviri amashekeri† 17:4 makirogiramu angaita 2.3 esirivha vakaapa kumupfuri wesirivha, akaita nawo mufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa. Uye zvakaiswa mumba maMika.
5 Zvino murume uyu Mika, akanga ane imba yavamwari, uye akaita efodhi nezvimwe zvifananidzo uye akagadza mumwe wavanakomana vake kuti ave muprista wake. 6 Mumazuva iwayo Israeri yakanga isina mambo; mumwe nomumwe akaita zvaaiona zvakamunakira.
7 Zvino kwakanga kune jaya muRevhi aibva kuBheterehema muJudha, aigara mukati morudzi rwaJudha, 8 akabva muguta iroro achindotsvaka imwe nzvimbo yokugara. Ari munzira yake akasvika napaimba yaMika munyika yezvikomo yeEfuremu.
9 Mika akamubvunza akati, “Unobvepiko?”
Iye akati, “Ndiri muRevhi anobva kuBheterehema muJudha, uye ndiri kutsvaka nzvimbo yokugara.”
10 Ipapo Mika akati kwaari, “Gara hako neni ugova baba vangu nomuprista wangu, uye ndichakupa mashekeri esirivha gumi‡ 17:10 magiramu angaita 115 pagore, nguo dzako dzokupfeka uye nezvokudya zvako.” 11 Saka muRevhi akabvuma kugara naye, uye jaya iri rakanga rakaita somumwe wavanakomana vake. 12 Ipapo Mika akagadza muRevhi, jaya rikava muprista wake akagara mumba make. 13 Uye Mika akati, “Zvino ndinoziva kuti Jehovha achandiitira zvakanaka, sezvo muRevhi uyu ava muprista wangu.”