MAPISAREMA. 100. Pisarema rokuvonga. Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika dzose. Shumirai Jehovha nomufaro; uyai pamberi pake nenziyo dzomufaro. Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari. Ndiye akatisika, uye tiri vake; tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye. Pindai pamasuo ake nokuvonga nomuvanze dzake nokurumbidza; chimuvongai uye murumbidze zita rake. Nokuti Jehovha akanaka uye rudo rwake runogara nokusingaperi; kutendeka kwake kunoramba kuripo kuzvizvarwa zvose.