MAPISAREMA. 119. Vakaropafadzwa avo vane nzira isina chaingapomerwa, vanofamba mumurayiro waJehovha. Vakaropafadzwa avo vanochengeta zvaakatema, vanomutsvaka nomwoyo wavo wose. Havaiti chinhu chakaipa; vanofamba munzira yake. Imi makaisa zvirevo zvinofanira kuteererwa. Haiwa, dai nzira dzangu dzakasimba pakuteerera zvirevo zvenyu! Ipapo handaizonyadziswa pandinorangarira mirayiro yenyu. Ndichakurumbidzai nomwoyo wakarurama, sezvo ndichidzidza mirayiro yenyu yakarurama. Ndichateerera mitemo yenyu; regai kundirasa zvachose. Ko, jaya ringanatsa nzira yaro nei? Nokurarama sezvinoreva shoko renyu. Ndinokutsvakai nomwoyo wangu wose; musandirega ndichitsauka pamirayiro yenyu. Shoko renyu ndakariviga mumwoyo mangu, kuti ndirege kukutadzirai. Imi munofanira kukudzwa, Jehovha; ndidzidzisei mitemo yenyu. Nemiromo yangu ndichataurazve mirayiro yose inobva pamuromo wenyu. Ndinofarira kutevera zvirevo zvenyu, somunhu anofarira pfuma huru. Ndinofungisisa zvirevo zvenyu, uye ndinorangarira nzira dzenyu. Ndinofarira mitemo yenyu; handingakanganwi shoko renyu. Itirai muranda wenyu zvakanaka, ndigorarama; ndichateerera shoko renyu. Ndisvinudzei meso angu kuti ndione. Zvinhu zvinoshamisa zviri pamurayiro wenyu. Ndiri mutorwa panyika; regai kundivanzira mirayiro yenyu. Mweya wangu wapedzwa nokushuva mitemo yenyu nguva dzose. Munotsiura vanozvikudza, avo vakatukwa, uye vanotsauka kubva pamirayiro yenyu. Bvisai kwandiri kushorwa nokuzvidzwa, nokuti ndinochengeta zvirevo zvenyu. Kunyange vatongi vachigara pamwe chete vachindireva, muranda wenyu achafungisisa mitemo yenyu. Ndinofadzwa nezvirevo zvenyu; ndizvo zvinondipanga mazano. Ndakaradzikwa pasi muguruva; chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu. Ndakarevazve nzira dzangu imi mukandipindura; ndidzidzisei mitemo yenyu. Itai kuti ndinzwisise zvirevo zvenyu; ipapo ndichafungisisa pamusoro pezvishamiso zvenyu. Mweya wangu waziya nokusuwa; ndisimbisei sezvinoreva shoko renyu. Ndibvisei panzira dzokunyengera; ndinzwirei nyasha kubudikidza nomurayiro wenyu. Ndakasarudza nzira yechokwadi; ndakaisa mwoyo wangu pamurayiro wenyu. Haiwa Jehovha, ini ndichabatirira pazvirevo zvenyu; musandirega ndichinyadziswa. Ndinomhanya munzira yomurayiro wenyu, nokuti makasunungura mwoyo wangu. Ndidzidzisei, imi Jehovha, kutevera mitemo yenyu; ipapo ndichaichengeta kusvikira kumagumo. Ndipei kunzwisisa, ndigochengeta murayiro wenyu uye ndigouteerera nomwoyo wangu wose. Nditungamirirei munzira yemirayiro yenyu, nokuti imomo ndinowana mufaro. Dzorerai mwoyo wangu pane zvamakatema kwete pakuchiva kwenyama. Dzorai meso angu pazvinhu zvisina maturo; chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu. Zadzisai zvamakapikira muranda wenyu, kuti mugotyiwa. Bvisai kunyadziswa kwandaitya, nokuti mitemo yenyu yakanaka. Ndinoshuva zvirevo zvenyu sei! Chengetedzai upenyu hwangu mukururama kwenyu. Rudo rwenyu rusingaperi ngaruuye kwandiri, Jehovha, noruponeso rwenyu sezvamakavimbisa; ipapo ndichapindura vanondishora, nokuti ndinovimba neshoko renyu. Regai kubvisa shoko rechokwadi pamuromo pangu, nokuti ndakaisa tariro yangu mumurayiro wenyu. Ndichagara ndichiteerera murayiro wenyu, nokusingaperi-peri. Ndichafamba-famba ndakasununguka, nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu. Ndichataura zvamakatema pamberi pamadzimambo, uye handinganyadziswi, nokuti ndinofarira mirayiro yenyu nokuti ndinoida. Ndinosimudzira maoko angu kumirayiro yenyu yandinoda, uye ndinofungisisa zvirevo zvenyu. Rangarirai shoko renyu kumuranda wenyu, nokuti makandipa tariro. Zvinondinyaradza pakutambura kwangu ndezvizvi: Vimbiso yenyu inochengetedza upenyu hwangu. Vanozvikudza vanondiseka vasingaregi, asi ini handitsauki pamurayiro wenyu. Ndinorangarira mirayiro yenyu yekare, imi Jehovha, uye ndinonyaradzwa mairi. Shungu dzinondibata nokuda kwavakaipa, vakasiya murayiro wenyu. Mitemo yenyu ndiro dingindira rorwiyo rwangu pose pandinogara. Haiwa, Jehovha, ndinorangarira zita renyu usiku, uye ndichachengeta murayiro wenyu. Aya ndiwo anga ari maitiro angu: Ndinoteerera zvirevo zvenyu. Haiwa, Jehovha, ndimi mugove wangu; ndakavimbisa kuteerera mashoko enyu. Ndakatsvaka chiso chenyu nomwoyo wangu wose; ndinzwirei nyasha sezvamakavimbisa. Ndakacherechedza nzira dzangu ndikadzorera tsoka dzangu kune zvamakatema. Ndichakurumidza uye handinganonoki kuteerera mirayiro yenyu. Kunyange vakaipa vakandisunga namabote, handizokanganwi murayiro wenyu. Ndinomuka pakati pousiku ndichikuvongai nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama. Ndiri shamwari yavose vanokutyai, nokuna vose vanotevera zvirevo zvenyu. Haiwa Jehovha, nyika izere norudo rwenyu, ndidzidzisei zvirevo zvenyu. Makaitira muranda wenyu zvakanaka, imi Jehovha, sezvakafanira shoko renyu. Ndidzidzisei zivo nokutonga kwakanaka, nokuti ndakatenda mirayiro yenyu. Pandakanga ndisati ndatambudzika, ndakatsauka, asi zvino ndinoteerera shoko renyu. Imi makanaka, uye munoita zvakanaka; ndidzidzisei mitemo yenyu. Kunyange vanozvikudza vakandipomera nhema, ndinochengeta zvamakatema nomwoyo wangu wose. Mwoyo yavo yakasindimara uye hainzwisisi, asi ndinofarira murayiro wenyu. Zvakanga zvakanaka kuti nditambudzike, kuitira kuti ndigodzidza mitemo yenyu. Murayiro unobva pamuromo wenyu unokosha kwandiri, kupfuura zviuru zvezvimedu zvesirivha negoridhe. Maoko enyu akandisika uye akandiumba; ndipei kunzwisisa kuti ndigodzidza mirayiro yenyu. Avo vanokutyai ngavafare pavanondiona, nokuti ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti mirayiro yenyu yakarurama, uye kuti makanditambudza mukutendeka kwenyu. Rudo rwenyu rusingaperi ngarutinyaradze, maererano nechivimbiso chenyu kumuranda wenyu. Tsitsi dzenyu ngadziuye kwandiri kuti ndirarame, nokuti murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu. Vanozvikudza ngavanyadziswe pakundikanganisira ndisina mhaka, asi ini ndichafungisisa zvirevo zvenyu. Vanokutyai ngavadzokere kwandiri, ivo vanonzwisisa zvamakatema. Mwoyo wangu ngaushaye chaungapomerwa pamitemo yenyu, kuti ndirege kunyadziswa. Mweya wangu unoziya nokuda kwekushuva ruponeso rwenyu, asi ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Meso angu aneta nokutsvaga chivimbiso chenyu; ndinoti, “Muchandinyaradza riniko?” Kunyange ndakaita sehomwe yewaini ndiri muutsi, handikanganwi mitemo yenyu. Muranda wenyu acharindira kusvikira riniko? Mucharanga vatambudzi vangu riniko? Vanozvikudza vakandicherera makomba, zvinopesana nomurayiro wenyu. Mirayiro yenyu yose yakavimbika, ndibatsirei, nokuti vanhu vanonditambudza ndisina mhaka. Vakanga voda kundibvisa panyika, asi handina kusiya zvamakatema. Chengetedzai upenyu hwangu zvakafanira rudo rwenyu, uye ini ndichateerera zvirevo zvomuromo wenyu. Haiwa Jehovha, shoko renyu rinogara nokusingaperi; rinomira rakasimba kudenga denga. Kutendeka kwenyu kunoramba kuripo kusvikira kuzvizvarwa zvose; makasimbisa nyika uye inogara nokusingaperi. Mirayiro yenyu iripo kusvikira iye nhasi, nokuti zvinhu zvose zvinokushumirai. Dai murayiro wenyu wanga usiri mufaro wangu, ndingadai ndakafira mumatambudziko angu. Handichazokanganwi zvamakatema, nokuti nazvo makachengetedza upenyu hwangu. Ndiponesei, nokuti ndiri wenyu; ndakatsvaka zvamakatema. Vakaipa vakarindira kundiparadza, asi ini ndichafunga zvirevo zvenyu. Ndinoona kuguma kwezvose zvakakwana, asi mirayiro yenyu haina magumo. Haiwa, ndinoda murayiro wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose. Mirayiro yenyu inoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu, nokuti inogara neni nguva dzose. Ndinonzwisisa zvakawanda kupfuura vadzidzisi vangu, nokuti ndinofungisisa pamusoro pezvamakatema. Ndinonzwisisa zvikuru kupfuura vakuru, nokuti ndinoteerera zvirevo zvenyu. Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa kuti nditeerere shoko renyu. Handina kubva pamirayiro yenyu, nokuti imi pachenyu makandidzidzisa. Mashoko enyu anotapira seiko pakuaravira, anotapira kukunda uchi mumukanwa mangu! Ndinowana kunzwisisa kubva pazvirevo zvenyu; naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzakaipa. Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza chenzira yangu. Ndakaita mhiko ndikaisimbisa, kuti ndichatevera mirayiro yenyu yakarurama. Ndakatambudzika kwazvo; chengetedzai upenyu hwangu, imi Jehovha, zvakafanira shoko renyu. Haiwa Jehovha, gamuchirai henyu kurumbidza kwomuromo wangu, mugondidzidzisa mirayiro yenyu. Kunyange ndichiramba ndakabata upenyu hwangu mumaoko angu, handizokanganwi murayiro wenyu. Vakaipa vakanditeya nomusungo, asi handina kutsauka pazvirevo zvenyu. Zvirevo zvenyu inhaka yangu nokusingaperi; ndizvo mufaro womwoyo wangu. Mwoyo wangu wakagarira kuchengeta zvirevo zvenyu, kusvikira kumagumo. Ndinovenga vanhu vane mwoyo miviri, asi ndinoda murayiro wenyu. Imi muri utiziro hwangu nenhoo yangu; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Ibvai kwandiri, imi vaiti vezvakaipa, kuti ndichengete mirayiro yaMwari wangu! Nditsigirei sezvamakavimbisa, ipapo ndichararama; musarega tariro yangu ichidzimwa. Nditsigirei, ipapo ndicharwirwa; ndicharamba ndine hanya nemitemo yenyu. Munoramba vose vanotsauka pamitemo yenyu, nokuti kunyengera kwavo hakuna maturo. Vakaipa vose venyika munovaita sengura; naizvozvo ndinoda zvamakatema. Nyama yangu inodedera nokuda kwokukutyai; ndinomira ndichitya mirayiro yenyu. Ndakaita zvakarurama nokururamisira; musandisiya mumaoko avadzvinyiriri vangu. Itai kuti muranda wenyu agare zvakanaka; musarega vanozvikudza vachimudzvinyirira. Meso angu aneta nokutsvaka ruponeso rwenyu, ndichitsvaga vimbiso yenyu yakarurama. Itirai muranda wenyu zvinoringana norudo rwenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu; ndipeiwo kunzvera kuti ndigonzwisisa zvamakatema. Haiwa Jehovha, inguva yenyu yokubata; murayiro wenyu uri kuputswa. Nokuti ndinoda mirayiro yenyu kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa, uye nokuti ndinoti zvirevo zvenyu zvose zvakarurama, ndinovenga nzira dzose dzakaipa. Zvirevo zvenyu zvinoshamisa; naizvozvo ndinozviteerera. Kuzarurwa kweshoko renyu kunopa chiedza; kunopa kunzwisisa kuna vasina mano. Ndinoshamisa muromo wangu ndigodokwaira, ndichishuva mirayiro yenyu. Dzokerai kwandiri mugondinzwira ngoni, sezvamunogara muchiita kuna avo vanoda zita renyu. Rayirai nhambwe dzetsoka dzangu zviri maererano neshoko renyu; chivi ngachirege kunditonga. Ndidzikinurei pakudzvinyirira kwavanhu, kuti ndigoteerera zvirevo zvenyu. Chiso chenyu ngachipenye pamusoro pomuranda wenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu. Hova dzemisodzi dzinoerera dzichibva mumeso angu, nokuti murayiro wenyu hausi kuteererwa. Haiwa Jehovha, imi makarurama, uye mirayiro yenyu yakarurama. Zvirevo zvenyu zvamakadzika zvakarurama; zvakavimbika kwazvo. Kushingaira kwangu kunondipedza, nokuti vavengi vangu havana hanya namashoko enyu. Vimbiso dzenyu dzakaedzwa chose, uye muranda wenyu anodzida. Kunyange ndakaderedzwa uye ndichizvidzwa hangu, handikanganwi zvirevo zvenyu. Kururama kwenyu kunogara nokusingaperi, uye murayiro wenyu ndowezvokwadi. Nhamo namatambudziko zviri pamusoro pangu, asi mirayiro yenyu ndiwo mufaro wangu. Zvirevo zvenyu zvinogara zvakarurama; ndipeiwo kunzwisisa kuti ndirarame. Ndinodana nomwoyo wangu wose; haiwa Jehovha ndipindureiwo, uye ndichateerera mitemo yenyu. Ndinodanidzira kwamuri, ndiponesei uye ndichachengeta zvamakatema. Ndinomuka mambakwedza asati asvika ndigochemera kubatsirwa; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Meso angu anogara akasvinura panguva dzose dzousiku, kuti ndifungisise pamusoro pevimbiso dzenyu. Inzwai inzwi rangu sezvakafanira rudo rwenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu zviri maererano nemirayiro yenyu. Vanoita mano akaipa vari pedyo, asi vari kure nomurayiro wenyu. Asi imi muri pedyo, Jehovha, uye mirayiro yenyu yose ndeyezvokwadi. Ndakadzidza pane zvamakatema kare, kuti makazvisimbisa kuti zvigare nokusingaperi. Tarirai kutambudzika kwangu mugondirwira, nokuti handina kukanganwa murayiro wenyu. Miririrai mhosva yangu uye mundidzikinure; chengetedzai upenyu hwangu maererano nevimbiso yenyu. Ruponeso rwuri kure navakaipa, nokuti havatsvaki mitemo yenyu. Haiwa Jehovha, tsitsi dzenyu ihuru; chengetedzai upenyu hwangu maererano nemirayiro yenyu. Vavengi vangu navanonditambudza vazhinji, asi handina kutsauka pane zvamakatema. Ndinotarira kuna vasingatendi ndichisema, nokuti havateereri shoko renyu. Tarirai madiro andinoita zvirevo zvenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu, maererano norudo rwenyu. Mashoko enyu ose ndeechokwadi; mirayiro yenyu yose yakarurama ndeyokusingaperi. Vatongi vanonditambudza ndisina mhaka, asi mwoyo wangu unodedera pashoko renyu. Ndinofarira vimbiso yenyu kufanana nouyo anowana zvakapambwa zvizhinji. Ndinovenga uye ndinosema nhema, asi ndinoda murayiro wenyu. Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva, nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama. Vanoda murayiro wenyu vano rugare rukuru, uye hakuna chingavagumbusa. Haiwa Jehovha, ndakamirira ruponeso rwenyu, uye ndinotevera mirayiro yenyu. Ndinoteerera zvirevo zvenyu, nokuti ndinozvida zvikuru. Ndinoteerera zvirevo zvenyu nezvamakatema, nokuti nzira dzangu dzose dzinozivikanwa nemi. Dai kuchema kwangu kwasvika pamberi penyu, imi Jehovha; ndipeiwo kunzwisisa maererano neshoko renyu. Kukumbira kwangu dai kwasvika pamberi penyu; ndirwirei maererano nevimbiso yenyu. Miromo yangu dai yafashukira nerumbidzo, nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu. Rurimi rwangu dai rwaimba nezveshoko renyu, nokuti mirayiro yenyu yose yakarurama. Ruoko rwenyu dai rwagadzirira kundibatsira, nokuti ndakasarudza zvirevo zvenyu. Haiwa Jehovha, ndinoshuva ruponeso rwenyu, uye murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu. Regai ndirarame kuti ndigokurumbidzai, uye dai mirayiro yenyu yandibatsira. Ndakatsauka segwai rakarasika. Tsvakai muranda wenyu, nokuti handina kukanganwa mirayiro yenyu.