MAPISAREMA. 131. Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. Haiwa Jehovha, mwoyo wangu hauzvikudzi, meso angu haana manyawi; handina hanya nezvinhu zvikuru kana zvinhu zvinonyanya kushamisa. Asi ndakadzikamisa uye ndakanyaradza mweya wangu; somwana akarumurwa namai vake, somwana akarumurwa, ndizvo zvakaita mweya wangu mandiri. Haiwa Israeri, isai tariro yenyu pana Jehovha, kubva zvino nokusingaperi.